|
|
WATI WAWANA HERE RUZIVO RUNOSHAMISA RWOHUPENYU HWAKAZADZWA NOMWEYA MUTSVENE? |
[Read "The Wonderful Discovery" in Your Language ]
|
Unogona kuva mukundi zuva rimwe nerimwe kuburikidza nesimba raMweya Mutsvene. Usati wagamuchira Jesu Kristu saMuponisi wako, waitonga hupenyu hwako pachako. Zva wakagamuchira Jesu Kristu, Mweya Mutsvene akauya kuzogara mauri (mukati mako) Mweya Mutsvene anoita kuti muKristu mumwe nemumwe agone kuva nehupenyu hwakazara nemufaro. Bhaibheri rinotiudza nezva Mweya Mutsvene. Bhaibheri rinoti: 1. Mweya Mutsvene ndiMwari (Mabasa 5:3-5) 2. Mweya Mutsvene anogara mumunhu wese anenge agamuchira Jesu 3. Mweya Mutsvene ndiye mudzidzisi wedu. (Johane 14:26) 4. Mweya Mutsvene anotibatsira pahutera (Kusasimba) kwedu (Varoma 8:26) 5. Mweya Mutsvene anesimba kukunda mimwe mweya yese. (1 Johane 4:1-4) Bhaibheri rinotiudza pamsoro pemhando nhatu dzevanhu ..... Munhu ASIRI MUKRISTU: Munhu asiri muKristu munhu anenge asati agamuchira Jesu Kristu saMuponisi wake. Mweya Mutsvene haagari mumunhu anenge asiri muKristu. Bhaibheri rinoti: "Zvino munhu sezvaakaberek wa haagamuchiri zvinhu zvoMweya
waMwari; nokuti hupenzi kwaari; haazvinzwisisi nokuti zvinonzwisiswa
noMweya." Mufananidzo uyu unoratidza zvakaita munhu asiri muKristu
1. Jesu ari kunze kwohupenyu hwomunhu uyu. MUKRISTU AZERE NAMWEYA MUTSVENE Mweya Mutsvene Anouya kuzogara mukati medu panguva yatinogamuchira Jesu Kristu saMuponisi wedu (Varoma 8:9). Kuzadzwa neMweya Mutsvene zvinoreva kubvumira Jesu Kristu kuti atonge hupenyu hwedu nekutitungamirira. Bhaibheri rinotsanangura hupenyu hwakazadzwa noMweya Mutsvene nenzira iyi: "Zvino chibereko cheMweya ndirwo rudo, norufaro, norugare nomwoyo murefu, nornwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora; hakuna murairo unodzivisa zvinhu zvakadai. " VaGaratia 5:22,23. Kana tabvumira Jesu Kristu kuti atonge hupenyu hwedu, tinova nechido chekufadza Mwari. Tinova nechido chekuverenga Bhaibheri nekunamata. Tinova nechido chekuudza vamwe nezva Kristu uye tinova nechido chekusangana nevamwe vaKristu (kuungana) Mufananidzo uyu unoratidza zvakaita muKristu akazadzwa naMweya Mutsvene
1 . Jesu Kristu ari muhupenyu hwemunhu uyu saMuponisi. MUKRISTU ANOZVITONGA PACHAKE MuKristu anozvitonga pachake (anoda nyika) anehanya nekuzvifadza iye pachake kupfuura kufadza Mwari. MuKristu anozvitonga pachake akafanana nemwana anongoda kuita zvaanoda iye - sezvinongoita munhu wenyika (munhu asiri muKristu). Maererano neMuKristu anozvitonga pachake Bhaibheri rinoti; "Ini hama dzangu ndakange ndisingagone kutaura nemi sokutaura kwandinoita nevanhu veMweya kwete, asi sokutaura kwandinoita nevanhu venyama, vachiri vacheche muna Kristu. Ndakakupai mukaka kuti munwe venyama, nokuti zvapachine godo pakati penyu negakava kohamuzi venyama muchifamba nenzira yevanhu here?" I Vakorinte 3:1-3 Mufananidzo uyu unoratidza zvakaita muKristu anozvitonga pachake MUKRISTU ANOZVITONGA PACHAKE
1. Jesu Kristu achirimo muhupenyu hwake saMuponisi. Nguva nenguva anoda kuita zvakanaka asi anokundikana... "Nokud zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda, asi zvandinovenga ndlzvo zvandinolta. Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka; hakupo. Ndiri munhu ari pakutam udzika. Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?" VaRoma 7:15,18,24. Nskudaro... MuKristu anozvitonga pachake haararame hupenyu huzere nemufaro. Nguva nenguva anorarama hupenyu hwekukundikana. Pane dzimwe nguva haatomboita semuKristu. IWE URI MUNHU UPI?
MUKRISTU ANOZVITONGA PACHAKE ANGAZADZWE NAMWEYA Tinova vaKristu nekutenda kuna Jesu Kristu saMuponisi. Saizvozvo tinozadzwa neMweya Mutsvene nekutenda. Zvingaitike iye zvino uno kuti ubvumire Mweya Mutsvene kuti akuzadze (akutonge) Parie zvinhu zvitatu zvaungaite: 1. REURURA ZVIVI ZVAKO. Kureurura zvinoreva kuti. . . 2. ZVIPIRE KUNA MWARI. "Uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imi kunaMwari savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokurarama kunaMwari, " VaRoma 6:13 Kuti tigare hupenyu hwekuzadzwa neMweya Mutsvene tinofanira kubvumira Jesu Kristu kuti atonge zvose zvatinoita. Anofanira kutonga mari yedu, nguva yatinenge tisina basa rekuita, basa redu, pamwechete nehukama hwedu nehama, neshamwari. 3. TENDA (BVUMA) KUTI MWARI ANOKUZADZA NEMWEYA WAKE MUTSVENE. Mwari anokuzadza neMweya Wake Mutsvene kana wavimba naye kuti azviite. Pane mazwi maviri anokosha kurangarira: KURAIRA KWAMWARI: "Uye regai kudhakwa nedoro, nokuti ndipo pane kusazvidzora, asi muzadzwe neMweya." VaEfeso 5:18 CHIVIMBISO CHAMWARI: "Kutsunga kwatinako paari ndokuku, kwokuti
kana tichikumbira chinhu sezvaanoda lye, anonzwa zvatinoreva. Zvino kana
tichiziva kuti anonzwa zvatinoreva pane zvatinenge takumbira, tinozivawo
kuti tatowana izvozvo zvatakumbira" I Johane 5:14,15.
|
|||||||||||||||||||||||||
|
|
| © 1995-2001 Campus Crusade for Christ International Questions and Comments are always welcome! http://www.jesuswho.org/spirit/shona/default.htm webmaster@jesuswho.org last updated: 18-08-2006 |
|